
Maita Dziva, Maita musikavanhu Munaiyisi mabota Sambiri
VeGanda gobvu,
Vari KwaSave.
Maita Mvuu,
Chirombo chinobvundura mvura,
Mutsikapanotinhira,
Vematama.
Maita mhukahuru
Chifurasora,
Vakasarudza kutonhorerwa,
Vakazivazve kuti mhepo yakanaka.
Ndinotenda veMbire,
Vabvi vekumabudazuva,
Vehuchenjeri,
Mukaregwandiani?
Maita Save pakuru, dziva vasingatambe nebukuta