Hevoi Gushungo Tsiwo

Hevoi Gushungo Tsiwo

No photo description available.Tsiwo Gushungo
Maita Gushungo,
VokwaNzungunhokotoko,
Muchero waNegondo,
Maita Tsiwo,
Usavi hwavamwe varume,
Vambwerambwetete,
Kugara pasi kusimuka zvinohwira vhu,
Musati hutukwa,
Mutupo ndowenyu,
Tatenda varidzi venyika,
Vakabva Guruuswa,
Varidzi vamazhanje.
Maita vokwaZvimba,
Vazere muChakona,
Vene vamachiri namakute,
Vano kutizira kunenge kudyara nzungu,
Vakapangura nyika ino
Ichakatsitswa nezamu,
Vomutupo weGushungo,
Vari chipata naMaringohwe,
Aiwa mwana waZvimba,
Zvaitwa vaNgonya.
Back to blog

Leave a comment